Amosi
1 Aya ndiwo mashoko aAmosi, aiva mumwe wevanhu vaipfuwa makwai vokuTekoa,+ aakaona pamusoro paIsraeri+ mumazuva aUziya+ mambo waJudha nomumazuva aJerobhoamu+ mwanakomana waJoashi,+ mambo waIsraeri, makore maviri kudengenyeka kwenyika+ kusati kwaitika. 2 Akati:
“Jehovha—achadzvova ari muZiyoni,+ achaita kuti inzwi rake rinzwike+ ari muJerusarema; mafuro evafudzi achachema, uye pamusoro peKameri pachaoma.”+
3 “Zvanzi naJehovha, ‘“Handizoregi kuranga vanhu vokuDhamasiko+ nokuti vakamukira katatu, uye nokuti vakamukira kana, nokuti vakapura Giriyedhi+ nemipuro yesimbi. 4 Ndichatumira moto+ paimba yaHazaeri,+ uye uchaparadza shongwe dzokugara dzaBheni-hadhadhi.+ 5 Ndichatyora muzariro weDhamasiko+ ndoparadza mugari womuBhikati-avheni nomubati wetsvimbo youmambo wokuBheti-edheni; uye vanhu vokuSiriya vachatapwa voendeswa kuKiri,”+ Jehovha adaro.’
6 “Zvanzi naJehovha, ‘“Handizoregi kuranga vanhu vokuGaza,+ nokuti vakamukira katatu, uye nokuti vakamukira kana, nokuti vakatapa boka renhapwa+ rakakwana kuti vadziendese kuEdhomu.+ 7 Ndichatumira moto parusvingo rweGaza,+ uye uchaparadza shongwe dzaro dzokugara. 8 Ndichaparadza mugari womuAshdhodhi+ nomubati wetsvimbo youmambo muAshkeroni;+ uye ndichadzosa ruoko rwangu+ paEkroni,+ uye vaya vanosara vevaFiristiya vachaparara,”+ Changamire Ishe Jehovha adaro.’
9 “Zvanzi naJehovha, ‘Handizoregi kuranga vanhu vokuTire+ nokuti vakamukira katatu, uye nokuti vakamukira kana, nokuti vakagamuchidza boka renhapwa rakakwana kuEdhomu, uye nokuti havana kuyeuka sungano yehama.+ 10 Ndichatumira moto parusvingo rweTire, uye uchaparadza shongwe dzaro dzokugara.’+
11 “Zvanzi naJehovha, ‘Handizoregi kuranga Edhomu+ nokuti akamukira katatu, uye nokuti akamukira kana, nokuti akatevera munun’una wake nebakatwa,+ uye nokuti akaparadza ngoni dzake,+ kutsamwa kwake kunoramba kuchibvambura-bvambura nokusingaperi; uye kana kuri kushatirwa kwake kukuru—anoramba ainako nokusingaperi.+ 12 Ndichatumira moto muTemani,+ uye uchaparadza shongwe dzokugara dzokuBhozra.’+
13 “Zvanzi naJehovha, ‘“Handizoregi+ kuranga vanakomana vaAmoni+ nokuti vakamukira katatu, uye nokuti vakamukira kana, nokuti vakatumbura vakadzi vaiva nepamuviri vokuGiriyedhi, kuti vawedzere nharaunda yavo.+ 14 Ndichatungidza moto parusvingo rweRabha,+ uye uchaparadza shongwe dzaro dzokugara, paine chiratidzo chokunyevera muzuva rokurwa, nemhepo ine mvura pazuva rakunenge kuine dutu.+ 15 Mambo wavo achatapwa, iye pamwe chete nemachinda ake,”+ Jehovha adaro.’