Hosiya
12 “Efremu anodya mhepo+ uye zuva rose anodzinganisa mhepo yokumabvazuva.+ Anowanziridza kureva nhema nokupamba.+ Vanoita sungano neAsiriya,+ uye vanoenda kuIjipiti nemafuta.
2 “Jehovha achatonga Judha,+ achaitawo kuti Jakobho azvidavirire zvichienderana nenzira dzake;+ achamutsiva zvichienderana nezvaakaita.+ 3 Akabata mukoma wake chitsitsinho ari mudumbu,+ uye akarwisana naMwari nesimba rake guru.+ 4 Akaramba achirwisana nengirozi, akazokunda.+ Akachema, kuti ateterere kunzwirwa nyasha.”+
Iye akamuwana kuBheteri,+ akatanga kutaura nesu ikoko.+ 5 Jehovha Mwari wemauto,+ Jehovha ndicho chiyeuchidzo chake.+
6 “Zvino iwe, unofanira kudzokera kuna Mwari wako,+ uchichengeta mutsa worudo+ nokururama;+ utarisire kuna Mwari wako nguva dzose.+ 7 Mutengesi ane chikero chokunyengera muruoko rwake;+ akada kubiridzira.+ 8 Efremu anoramba achiti, ‘Chokwadi, ndapfuma;+ ndawana zvinhu zvinokosha.+ Pakushanda zvakaoma kwangu kwose, havazowani kukanganisa kwakaenzana nechivi kwandiri.’+
9 “Asi ini ndini Jehovha Mwari wako kubvira uchiri munyika yeIjipiti.+ Ndichakugarisa mumatende somumazuva enguva yakatarwa. 10 Ndakataura nevaprofita,+ ndikawanziridza zvairatidzwa, uye ndakaramba ndichiita mifananidzo ndichishandisa vaprofita.+
11 “Zvinhu zvemashiripiti+ uyewo zvenhema+ zvakaitika muGiriyedhi. Vakabayirawo nzombe muGirigari.+ Uyezve, atari dzavo dzakaita semirwi yematombo iri mumiforo yomunda.+ 12 Jakobho akatizira kunyika yeSiriya,+ Israeri+ akaramba achishanda kuti awane mudzimai,+ uye akachengeta makwai kuti awane mudzimai.+ 13 Jehovha akabudisa Israeri muIjipiti achishandisa muprofita,+ uye akachengetedzwa nomuprofita.+ 14 Efremu akatsamwisa Mwari kwazvo,+ anosiya mabasa ake okuteura ropa pana iye pachake,+ uye Tenzi wake Mukuru achamutsiva nokuda kwokuzvidza kwake.”+