Ezekieri
30 Zvino shoko raJehovha rakaramba richiuya kwandiri, richiti: 2 “Mwanakomana womunhu, profita, uti,+ ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Ungudzai muchiti, ‘Maiwe zuva riya kani!’+ 3 nokuti zuva rava pedyo, chokwadi, zuva raJehovha rava pedyo.+ Zuva rine makore,+ richava nguva yakatarwa yemarudzi.+ 4 Bakatwa richauya muIjipiti,+ kurwadziwa kwazvo kuchauya muItiopiya panourayiwa mumwe munhu muIjipiti, votora pfuma yayo uye nheyo dzayo dzoputswa.+ 5 Itiopiya+ nePuti+ neRudhi neboka rose revamwe vanhu vakavhengana+ neKubhi nevanakomana vomunyika yesungano—vachaurayiwa nebakatwa pamwe chete navo.”’+
6 “Zvanzi naJehovha, ‘Uyewo vatsigiri veIjipiti vachawa, uye kudada kwainoita nesimba rayo kuchaderera.’+
“‘Vachaurayirwa imomo nebakatwa kubvira kuMigdhori+ kusvikira kuSiene,’+ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha. 7 ‘Vachaitwa dongo pakati penyika dzakaitwa matongo, uye maguta ayo achava pakati chaipo pemaguta akaparadzwa.+ 8 Vachaziva kuti ndini Jehovha pandinobatidza moto muIjipiti uye vabatsiri vayo vose pavanenge vaparadzwa.+ 9 Pazuva iroro nhume dzichabva pamberi pangu dziri mungarava, kuti dzidederese Itiopiya inozvivimba.+ Vacharwadziwa kwazvo pazuva reIjipiti, nokuti, tarira! iro richauya.’+
10 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Ndichaitawo kuti boka revanhu veIjipiti rigume ndichishandisa ruoko rwaNebhukadrezari mambo weBhabhironi.+ 11 Iye nevanhu vake vaainavo, vadzvinyiriri vemarudzi,+ vachaunzwa kuzoita kuti nyika yacho ive dongo. Vachavhomorera Ijipiti mapakatwa avo, vozadza nyika yacho nevakaurayiwa.+ 12 Ndichaita kuti migero yaNire+ ive nyika yakaoma, ndichatengesa nyika yacho mumaoko evanhu vakaipa,+ uye ndichaita kuti nyika yacho nezvose zvizere mairi zvive dongo ndichishandisa maoko evanhu vaisingazivi.+ Ini Jehovha ndazvitaura.’+
13 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Ndichaparadzawo zvidhori zvinosemesa sendove+ ndoita kuti vanamwari vasina zvavanobatsira vaparare muNofi,+ munyika yeIjipiti hamuzovizve nejinda; uye ndichaisa kutya munyika yeIjipiti.+ 14 Ndichaita kuti Patrosi+ ive dongo, ndobatidza moto muZoani,+ ndoita zvandakatonga muNo.+ 15 Ndichadururira hasha dzangu+ paSini, iyo nhare yeIjipiti, ndoparadza boka revanhu vomuNo.+ 16 Ndichabatidza moto muIjipiti. Chokwadi Sini richarwadziwa kwazvo, No richakundwa nokuputswa; uye kana riri Nofi—richava nemhandu masikati! 17 Majaya okuOni+ nePibheseti achaurayiwa nebakatwa, uye maguta acho achatapwa. 18 Zuva richasviba muTehafinehesi,+ pandichatyora majoko eIjipiti imomo.+ Kudada kwarinoita nesimba raro kuchagumisirwa mukati maro.+ Iro richafukidzwa nemakore,+ uye mataundi ari pasi paro achatapwa.+ 19 Ndichaitira Ijipiti zvakatongwa;+ uye ivo vachaziva kuti ndini Jehovha.’”
20 Uyezve mugore rechigumi nerimwe chete, mumwedzi wokutanga, pazuva rechinomwe romwedzi wacho, shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti: 21 “Mwanakomana womunhu, ndichatyora ruoko rwaFarao mambo weIjipiti,+ uye tarira! haruzombosungwi kuti rupore nokupomba nejira kuti rusungwe,+ kuti ruve nesimba, rubate bakatwa.”
22 “Naizvozvo zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Tarira ndicharwisana naFarao mambo weIjipiti,+ ndichatyora maoko ake,+ irwo rune simba norwakatyoka rwacho,+ uye ndichaita kuti bakatwa riri muruoko rwake riwe.+ 23 Ndichaparadzira vaIjipiti pakati pemamwe marudzi ndoita kuti vapararire munyika zhinji.+ 24 Ndichasimbisa maoko amambo weBhabhironi,+ ndoisa bakatwa rangu muruoko rwake,+ ndichatyora maoko aFarao, uye iye achagomera kwazvo+ ari pamberi pake sezvinoita munhu akuvadzwa kwazvo. 25 Ndichasimbisa maoko amambo weBhabhironi, uye maoko aFarao achati regwede; uye ivo vachaziva kuti ndini Jehovha pandinoisa bakatwa rangu muruoko rwamambo weBhabhironi, iye oritambanudzira kunyika yeIjipiti.+ 26 Ndichaparadzira vaIjipiti pakati pemamwe marudzi+ ndoita kuti vapararire munyika zhinji; uye ivo vachaziva kuti ndini Jehovha.’”