Ezekieri
24 Zvino Shoko raJehovha rakaramba richiuya kwandiri mugore rechipfumbamwe, mumwedzi wechigumi, pazuva rechigumi romwedzi wacho, richiti: 2 “Mwanakomana womunhu, nyora zita rezuva racho, rezuva iroro chairo. Mambo weBhabhironi azvikanda kuzorwa neJerusarema pazuva iroro chairo.+ 3 Taura chirevo chinotaura nezveimba inopandukira,+ uti pamusoro pavo,
“‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Gadzai gate; rigadzei, mudirewo mvura mariri.+ 4 Isai nhindi mukati maro,+ nhindi dzose dzakanaka, chidya nepfudzi; rizadzei nemapfupa akanaka kwazvo. 5 Torai gwai rakanaka kwazvo,+ uyewo rongai matanda akatenderera ari pasi paro. Bikai nhindi dzaro, uyewo bikai mapfupa ari mukati maro.”’”+
6 “Naizvozvo zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Rine nhamo guta rine mabasa okuteura ropa,+ iro gate, rine ngura mukati maro, iyo ngura isina kubviswa mariri! Budisai nhindi dzaro, imwe neimwe;+ hapana mujenya unofanira kukandwa pamusoro paro.+ 7 Nokuti ropa raro rava mukati maro chaimo.+ Rakariisa pamusoro poruware, panopenya. Harina kuridururira pasi, kuti ririfukidze neguruva.+ 8 Kuti ndimutse hasha dzangu kuti nditsive,+ ndaisa ropa raro pamusoro poruware, panopenya, kuti rirege kufukidzwa.’+
9 “Naizvozvo zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Rine nhamo guta rine mabasa okuteura ropa!+ Ini ndichaitawo kuti murwi wacho uve mukuru.+ 10 Wanza matanda. Pfutidza moto. Nyatsobika nyama yacho. Durura muto, uye rega mapfupa apise kwazvo. 11 Rimise pamazimbe risina chinhu kuti ripise; uye mhangura yaro ngaipise, kusachena kwaro kunyungudutswe mukati maro.+ Ngura yaro ngaitsve.+ 12 Zvinonetsa! Rakanetesa munhu, asi ngura yaro yakawanda kwazvo haibvi mukati maro.+ Riise mumoto nengura yaro!’
13 “‘Mukusachena kwako maiva nokusazvibata.+ Ndaitofanira kukuchenesa nokuda kwaizvozvo, asi hauna kuchena pakusachena kwako.+ Hauzochenizve kusvikira ndaita kuti hasha dzangu kwauri dziderere.+ 14 Ini Jehovha, ndazvitaura.+ Zvichauya,+ uye ndichazviita. Handizoregi,+ uye handizonzwi urombo+ kana kuzvidemba.+ Vachakutonga zvinoenderana nenzira dzako uye zvinoenderana nezvawakaita,’+ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha.”
15 Zvino shoko raJehovha rakaramba richiuya kwandiri, richiti: 16 “Mwanakomana womunhu, tarira ndichakutorera chinhu chinodiwa+ nemaziso ako ndichishandisa denda,+ haufaniri kuzvirova chipfuva, haufaniri kuchema uye misodzi yako haifaniri kubuda.+ 17 Gomera usingabudisi mashoko. Usachema vakafa.+ Sunga chishongo chako chomumusoro,+ upfeke hwashu dzako mutsoka dzako.+ Usafukidza usopo,+ uye usadya zvokudya zvevanhu.”+
18 Zvino ndakataura nevanhu ari mangwanani, mudzimai wangu akazofa manheru. Naizvozvo mangwanani ndakaita sezvandakanga ndarayirwa chaizvo. 19 Zvino vanhu vakaramba vachiti kwandiri: “Haungatiudziwo here kuti zvinhu izvi zvauri kuita zvinorevei kwatiri?”+ 20 Ndakabva ndati kwavari: “Shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti, 21 ‘Iti kuimba yaIsraeri: “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Tarirai ndichasvibisa nzvimbo yangu tsvene,+ iro simba+ renyu ramunodada naro, icho chinhu chinodiwa nemaziso enyu+ nechinhu chinonzwirwa tsitsi nemweya yenyu, uye vanakomana venyu nevanasikana venyu vamakasiya—vachaurayiwa nebakatwa.+ 22 Muchaita sezvandaita chaizvo. Hamuzofukidzi usopo,+ uye hamuzodyi zvokudya zvevanhu.+ 23 Zvishongo zvenyu zvomumusoro zvichange zviri mumisoro yenyu, uye hwashu dzenyu dzichange dziri mutsoka dzenyu. Hamuzozvirovi uyewo hamuzochemi,+ muchaorera mukukanganisa kwenyu,+ uye mumwe nomumwe achagomera kune mumwe.+ 24 Ezekieri ava chiratidzo+ chenyu. Muchaita maererano nezvose zvaaita. Pazvinouya,+ muchazivawo kuti ndini Changamire Ishe Jehovha.’”’”+
25 “Zvino iwe, haiwa mwanakomana womunhu, hazvizoitiki here pazuva randichavatorera nhare yavo, icho chinhu chakanaka chinoita kuti vapembere nomufaro, chinhu chinodiwa nemaziso avo+ uye chinodiwa nemweya yavo, ivo vanakomana vavo nevanasikana vavo,+ kuti 26 pazuva iroro munhu anopukunyuka achauya kwauri kuti aite kuti nzeve dzinzwe+ here? 27 Pazuva iroro muromo wako uchashamira anopukunyuka,+ iwe uchataura, hauzovizve mbeveve;+ uye uchava chiratidzo kwavari,+ uye vachaziva kuti ndini Jehovha.”+