Muparidzi
3 Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yakatarwa,+ uyewo zvose zvinoitwa pasi pematenga zvine nguva yazvo: 2 nguva yokuberekwa+ nenguva yokufa;+ nguva yokudyara nenguva yokudzura zvakadyarwa;+ 3 nguva yokuuraya+ nenguva yokuporesa;+ nguva yokuputsa nenguva yokuvaka;+ 4 nguva yokusvimha misodzi+ nenguva yokuseka;+ nguva yokuungudza+ nenguva yokusvetuka-svetuka;+ 5 nguva yokurasa matombo+ nenguva yokuunganidza matombo;+ nguva yokumbundira+ nenguva yokurega kumbundira;+ 6 nguva yokutsvaka+ nenguva yokurega sezvarasika; nguva yokuchengeta nenguva yokurasa;+ 7 nguva yokubvarura+ nenguva yokusonanidza;+ nguva yokunyarara+ nenguva yokutaura;+ 8 nguva yokuda nenguva yokuvenga;+ nguva yehondo+ nenguva yorugare.+ 9 Mushandi anobatsirwei nezvaanoshandira zvakaoma?+
10 Ndakaona basa iro Mwari akapa vanakomana vevanhu ravanofanira kuita.+ 11 Iye akaita zvinhu zvose zvakanaka panguva yazvo.+ Akaisawo nguva isingagumi mumwoyo mavo,+ kuti vanhu varege kumboziva basa rakaitwa naMwari wechokwadi kubvira pakutanga kusvikira pakupedzisira.+ 12 Ndava kuziva kuti hapana chinhu chiri nani kwavari kupfuura kuti munhu afare uye aite zvakanaka muupenyu;+ 13 uyewo kuti munhu wose adye, anwe, uye afadzwe nezvinhu zvakanaka pabasa rake rose rakaoma.+ Icho chipo chaMwari.+
14 Ndava kuziva kuti zvinhu zvose zvinoitwa naMwari wechokwadi, zvichagara nokusingagumi.+ Hapana chingawedzerwa kwazviri kana kutapudzwa pazviri;+ asi Mwari wechokwadi akazviita,+ kuti vanhu vamutye.+
15 Chinhu chiripo chakagara chiripo, uye chichavapo chakambovapo;+ Mwari wechokwadi+ anoramba achitsvaka chinodzingirirwa.+
16 Uyezve ndakaona pasi pezuva nzvimbo yokururamisira yakanga iine uipi uye nzvimbo yokururama yakanga iine uipi.+ 17 Ini ndakati mumwoyo mangu:+ “Mwari wechokwadi achatonga vose, munhu akarurama nomunhu akaipa,+ nokuti pane nguva yezvinhu zvose neyemabasa ose.”+
18 Ini, iyeni, ndakati mumwoyo mangu nezvevanakomana vevanhu, Mwari wechokwadi achavatsaura, kuti vaone kuti ivo imhuka.+ 19 Nokuti vanakomana vevanhu vanowirwa nomugumo uye mhuka dzinowirwa nomugumo, uye zvose zvinowirwa nomugumo wakafanana.+ Mafiro anoita chimwe, ndiwo mafiro anoitawo chimwe chacho;+ zvose zvine simba roupenyu rimwe chete,+ zvokuti munhu haana paanopfuura mhuka, nokuti zvose hazvina zvazvinobatsira. 20 Zvose zvinoenda kunzvimbo imwe chete.+ Zvose zvakabva kuguruva,+ uye zvose zvinodzokera kuguruva.+ 21 Ndiani anoziva kana simba roupenyu revanakomana vevanhu richikwira kudenga; uye kana simba roupenyu remhuka richiburukira pasi panyika?+ 22 Ndakaona kuti hapana chinhu chiri nani pane kuti munhu afarire mabasa ake,+ nokuti iwoyo ndiwo mugove wake; nokuti ndiani achamudzosa kuti aone zvichamutevera?+