Muparidzi
1 Mashoko omuunganidzi,+ mwanakomana waDhavhidhi, aiva mambo muJerusarema.+ 2 “Hazvina zvazvinobatsira zvachose!”+ muunganidzi adaro, “hazvina zvazvinobatsira zvachose! Zvinhu zvose hazvina zvazvinobatsira!”+ 3 Munhu anobatsirwei nebasa rake rose rakaoma raanoshanda+ zvakaoma pasi pezuva?+ 4 Chimwe chizvarwa chinoenda,+ uye chimwe chizvarwa chinouya;+ asi nyika inogara iripo nokusingagumi.+ 5 Zuva rabudawo, uye zuva ravira,+ uye riri kumhanyira kunzvimbo yaro yarichabudira.+
6 Mhepo inoenda kumaodzanyemba, uye inotenderera ichienda kuchamhembe.+ Inoramba ichingotenderera,+ uye mhepo inodzokera kwainotenderera+ chaiko.
7 Hova dzose dzomuchando+ dzinoenda kugungwa,+ asi gungwa harizari.+ Kunobva hova dzomuchando, ndiko kwadzinodzokerazve.+ 8 Zvinhu zvose zvinonetesa;+ hapana anokwanisa kutaura nezvazvo. Ziso harigutswi nokuona,+ uyewo nzeve haizari nokunzwa.+ 9 Zvakanga zviripo ndizvo zvichavapozve;+ zvakamboitwa ndizvo zvichaitwazve; naizvozvo hapana chinhu chitsva pasi pezuva.+ 10 Pane chinhu here chinganzi nomunhu: “Ona ichi; chinhu chitsva”? Chakagara chiripo kwenguva isingagumi;+ zviripo ndezvomunguva yakatitangira.+ 11 Vanhu vomunguva yekare havayeukwi, uyewo vaya vachatevera havazoyeukwi.+ Kunyange vamwe pane vaya vachazouya pava paya havazoyeukwi.+
12 Ini, muunganidzi, ndaiva mambo waIsraeri muJerusarema.+ 13 Ndakatsungisa mwoyo wangu kuti nditsvake nokuongorora uchenjeri+ pazvinhu zvose zvakaitwa pasi pematenga—iro basa rinotambudza rakapiwa vanakomana vevanhu naMwari ravanofanira kuita.+ 14 Ndakaona mabasa ose aiitwa pasi pezuva,+ uye tarira! zvose zvakanga zvisina zvazvinobatsira uye kuri kudzingana nemhepo.+
15 Chakakombama hachigoni kururamiswa,+ uye chisipo hachigoni kuverengwa. 16 Ini, iyeni, ndakataura nomwoyo wangu,+ ndichiti: “Tarira! Ini ndakawedzera uchenjeri kupfuura munhu wose akavapo ini ndisati ndavapo muJerusarema,+ uye mwoyo wangu wakaona uchenjeri hukuru kwazvo nezivo.”+ 17 Ndakaita kuti mwoyo wangu uzive uchenjeri uye kuti uzive upengo,+ uye ndakaziva upenzi,+ kuti izviwo kudzingana nemhepo.+ 18 Nokuti kuva nouchenjeri huzhinji kunokonzera nhamo zhinji,+ zvokuti munhu anowedzera zivo anowedzera marwadzo.+