Zvirevo
9 Uchenjeri hwechokwadi+ hwakavaka imba yahwo;+ hwakaveza mbiru dzahwo nomwe. 2 Hwakaronga kuuraya mhuka dzahwo; hwakavhenganisa waini yahwo; kupfuura izvozvo, hwakagadzira tafura yahwo yezvokudya.+ 3 Hwakatuma vashandikadzi vahwo, kuti hushevedzere huri pamusoro penzvimbo dzakakwirira dzetaundi huchiti: 4 “Munhu wose asina zivo, ngaatsaukire pano.”+ Kumunhu wose ane mwoyo usina njere+—ihwo hwakati kwaari: 5 “Uya, idya zvokudya zvangu uye unwewo waini yandavhenganisa.+ 6 Siyana nevasina zivo urambe uchirarama,+ ufambe zvakarurama munzira yokunzwisisa.”+
7 Munhu anoruramisa museki anozviunzira ruzvidzo,+ uye uya anotsiura munhu akaipa—anozviunzira urema.+ 8 Usatsiura museki, kuti arege kukuvenga.+ Tsiura munhu akachenjera uye iye achakuda.+ 9 Rayiridza munhu akachenjera uye iye achawedzera kuchenjera.+ Ipa munhu akarurama zivo uye iye achawedzera kudzidza.
10 Kutya Jehovha ndiko kutanga kwouchenjeri,+ uye kuziva Mutsvenetsvene ndiko kunzwisisa.+ 11 Nokuti ini ndichaita kuti mazuva ako ave mazhinji,+ uye iwe uchawedzerwa makore oupenyu.+ 12 Kana ukava munhu akachenjera, unova nouchenjeri iwe pachako;+ uye kana ukava museki, iwe woga ndiwe uchazvionera.+
13 Mukadzi benzi haana kugadzikana.+ Iye haambofungi uye haana kana chaanoziva.+ 14 Anogara pasuo reimba yake, pachigaro, munzvimbo dzakakwirira dzetaundi,+ 15 kuti ashevedzere kune vaya vanopfuura nenzira, vaya vanoenda vakananga mberi vari pamakwara avo, achiti:+ 16 “Munhu wose asina zivo ngaatsaukire pano.”+ Kumunhu wose ane mwoyo usina njere+—iye anotiwo kwaari: 17 “Mvura yokuba inotapira,+ uye zvokudya zvinodyiwa pakavanda—zvinonaka.”+ 18 Asi haazivi kuti vaya vasina simba vari murufu varipo, kuti vaya vanoshevedzwa naye vari munzvimbo dzakadzikira dzeSheori.+