Zvirevo
7 Mwanakomana wangu, chengeta mashoko angu,+ uchengetedze mirayiro yangu.+ 2 Chengeta mirayiro yangu urambe uchirarama,+ uye chengeta mutemo wangu semboni+ dzemaziso ako. 3 Zvisungirire paminwe yako,+ uzvinyore pahwendefa romwoyo+ wako. 4 Iti kuuchenjeri:+ “Uri hanzvadzi yangu”; uye tumidza kunzwisisa kuti “Hama yangu yechikadzi,” 5 kuti zvikurinde pamukadzi mutorwa,+ pamukadzi wokumwe anoita kuti mashoko ake atapire.+ 6 Nokuti ndakatarira pasi nepasefa yangu ndiri pahwindo+ reimba yangu, 7 kuti nditarisise pavanhu vasina zivo.+ Ndaida kuona jaya raiva nomwoyo usina njere+ pakati pevanakomana, 8 richipfuura nomugwagwa uri pedyo nekona yaaiwanika, uye richifamba nenzira inoenda kumba kwake,+ 9 munguva yorubvunzavaeni, kumanheru,+ usiku nerima zvava kuda kusvika. 10 Tarira! kwaiva nomukadzi aiuya kuzosangana naro, akapfeka nguo yepfambi+ uye aine mwoyo unonyengera. 11 Haana kugadzikana uye akasindimara.+ Tsoka dzake hadzigari mumba make.+ 12 Zvino ava kunze, uyo ava munzvimbo dzinoungana vanhu,+ uye ava kuvandira pedyo nemakona ose.+ 13 Anoribata, oritsvoda.+ Ane chiso chisinganyari, uye anotanga kuti kwariri:
14 “Ndaifanira kupa zvibayiro zvokugoverana.+ Nhasi ndaripa mhiko dzangu.+ 15 Ndokusaka ndauya kuzosangana newe, kuti nditsvake chiso chako, kuti ndikuwane. 16 Ndawarira mubhedha wangu nemachira epamubhedha, nemachira ane mavara mavara, iyo rineni yokuIjipiti.+ 17 Ndasasa mubhedha wangu nemura, arosi nesinamoni.+ 18 Uya, ngatizvigutse norudo kusvikira mangwanani; ngatifadzane nokuratidzirana rudo.+ 19 Nokuti murume haamo mumba make; akaenda rwendo rurefu.+ 20 Akaenda aine homwe yemari muruoko rwake. Achadzoka kumba kwake pazuva rejenaguru.”
21 Iye aritsausa nokugona kwake kunyengetedza.+ Anoritsausa nokunyengera kwake.+ 22 Rinongoerekana ramutevera,+ sezvinoita nzombe inoenda kunourayiwa, uye sokunge rakasungwa nezvisungo zvomumakumbo kuti rirangwe sezvinoitwa benzi, 23 kusvikira museve watsemura chiropa charo,+ seshiri inomhanyira muchiteyeso,+ uye harina kuziva kuti zvine chokuita nomweya waro.+
24 Zvino, haiwa imi vanakomana vangu, ndinzwei uye teererai mashoko omuromo wangu.+ 25 Mwoyo wako ngaurege kutsaukira kunzira dzake. Usafamba-famba mumigwagwa yake.+ 26 Nokuti akawisira pasi vazhinji, vaurayiwa,+ uye vose vanourayiwa naye vazhinji kwazvo.+ 27 Imba yake inzira dzinoenda kuSheori;+ dzinoburukira kudzimba dzomukati dzorufu.+