Zvirevo
23 Kana ukagara pasi kuti udye namambo, unofanira kunyatsofungisisa zviri pamberi pako,+ 2 uye unofanira kuisa banga pahuro pako kana uri munhu uya ane mweya une chido.+ 3 Usaratidza kuti unopanga zvokudya zvake zvinonaka, zvazviri zvokudya zvenhema.+
4 Usashanda zvakaoma kuti uwane pfuma.+ Rega kuvimba nokunzwisisa kwako.+ 5 Wakaita kuti maziso ako aitarire here, iyo zvaisiri chinhu?+ Nokuti chokwadi inomera mapapiro seegondo yobhururuka ichienda kumatenga.+
6 Usadya zvokudya zvomunhu ane ziso rinonyima,+ kana kuratidza kuti unopanga zvokudya zvake zvinonaka.+ 7 Nokuti iye akaita somunhu ane zvaakaronga mumweya make.+ Anokuudza kuti, “Idya uye inwa,” asi mwoyo wake hauna hanya newe.+ 8 Chimedu chako chaunenge wadya, uchachirutsa, uye uchange watambisa mashoko ako anofadza.+
9 Usataura benzi richinzwa,+ nokuti richazvidza mashoko ako okungwara.+
10 Usabvisa muganhu wekare,+ uye usapinda mumunda wenherera.+ 11 Nokuti Mudzikinuri wadzo ane simba; iye acharwira mhosva yadzo kwauri.+
12 Ranga mwoyo wako uye nzeve yako ngainzwe mashoko ezivo.+
13 Usarega kuranga mukomana.+ Kana ukamurova neshamhu, iye haangafi. 14 Umurove neshamhu, kuti ununure mweya wake paSheori.+
15 Mwanakomana wangu, kana mwoyo wako ukava wakachenjera,+ mwoyo wangu ini uchafara.+ 16 Itsvo dzangu dzichapembera nomufaro miromo yako painotaura zvakarurama.+
17 Mwoyo wako ngaurege kuitira vatadzi shanje,+ asi itya Jehovha zuva rose.+ 18 Nokuti kana zvikadaro uchava nenguva yemberi,+ uye tariro yako haizoparadzwi.+
19 Haiwa iwe mwanakomana wangu, inzwa uve akachenjera, utungamirire mwoyo wako munzira.+
20 Usava mumwe wevanonwisa waini,+ mumwe wevanokara nyama.+ 21 Nokuti chidhakwa nomunhu anokara vachava varombo,+ uye hope dzichapfekedza munhu mamvemve.+
22 Teerera baba vako vakaita kuti uberekwe,+ uye usazvidza amai vako nokuti vakwegura.+ 23 Tenga chokwadi+ urege kuchitengesa—tengawo uchenjeri nokurangwa nokunzwisisa.+ 24 Baba vomunhu akarurama chokwadi vachafara;+ munhu anobereka munhu akachenjera achafadzwawo naye.+ 25 Baba vako naamai vako vachafara, uye amai vakakubereka vachafara.+
26 Mwanakomana wangu, ndipe mwoyo wako, uye maziso ako ngaafarire nzira dzangu.+ 27 Nokuti pfambi igomba rakadzika+ uye mukadzi wokumwe itsime rakamanikana. 28 Iye anovandira sezvinoita gororo;+ uye anowedzera vanonyengera pakati pevarume.+
29 Ndiani ane nhamo? Ndiani asingafari? Ndiani anokakavara?+ Ndiani anonetseka? Ndiani ane maronda pasina chikonzero? Ndiani ane maziso asinganyatsooni? 30 Ndevaya vanogarisa pawaini,+ vaya vanouya kuzotsvaka waini yakavhenganiswa.+ 31 Usatarira waini painenge yakatsvuka, painovaima iri mukapu, paunoinwa ichidzika zviri nyore. 32 Pakuguma kwayo inoruma senyoka,+ uye inobudisa uturu sezvinoita nyoka.+ 33 Maziso ako achaona zvinhu zvinoshamisa, uye mwoyo wako uchataura zvinhu zvakatsauka.+ 34 Uchaita somunhu akarara pakati pegungwa, kana somunhu akarara pamusoro pedanda refu rengarava.+ 35 Uchati, “Vakandirova, asi handina kurwara; vakandirova, asi handina kuzviziva. Ndichamuka rini?+ Ndichaitsvakazve.”+