Kumutungamiriri weMuti-rabheni. Rwiyo rwaDhavhidhi.
א [ʼAʹleph]
9 Haiwa Jehovha, ndichakurumbidzai nomwoyo wangu wose;+
Ndichazivisa mabasa enyu ose anoshamisa.+
2 Ndichakufarirai nokukupembererai nomufaro,+
Ndichaimbira zita renyu, haiwa imi Wokumusorosoro.+
ב [Behth]
3 Vavengi vangu pavanodzoka,+
Vachagumburwa voparara pamberi penyu.+
4 Nokuti makaruramisira nyaya yangu nemhosva yangu;+
Makagara pachigaro muchitonga nokururama.+
ג [Giʹmel]
5 Makatuka marudzi,+ makaparadza munhu akaipa.+
Makadzima zita ravo nokusingagumi kunyange nokusingaperi.+
6 Haiwa iwe muvengi, matongo ako asvika pakuparara zvachose,+
Uye ndizvo zvaitawo maguta amakadzura.+
Kutaurwa kwevavengi kuchaparara.+
ה [Heʼ]
7 Asi Jehovha achagara nokusingagumi,+
Achisimbisa chigaro chake choumambo kuti atonge.+
8 Achatonga nyika inobereka zvakarurama;+
Achatonga mapoka emarudzi mukururama.+
ו [Waw]
9 Jehovha achava nzvimbo yakakwirira yakachengeteka yomunhu wose akadzvinyirirwa,+
Nzvimbo yakakwirira yakachengeteka munguva dzokutambudzika.+
10 Vaya vanoziva zita renyu vachavimba nemi,+
Nokuti hamuzosiyi vaya vanokutsvakai, haiwa Jehovha.+
ז [Zaʹyin]
11 Imbirai Jehovha, iye anogara muZiyoni;+
Zivisai mabasa ake pakati pemarudzi.+
12 Nokuti, kana achitsvaka kuteura ropa+ kwakaitwa, achayeuka ivo vaya;+
Haazombokanganwi kuchema kwevanotambudzika.+
ח [Chehth]
13 Ndinzwirei nyasha, haiwa Jehovha; onai kutambudzika kwangu kunokonzerwa nevaya vanondivenga,+
Haiwa imi munondisimudza pamagedhi orufu,+
14 Kuti ndizivise mabasa enyu ose anorumbidzwa+
Pamagedhi+ omwanasikana weZiyoni,+
Kuti ndifarire kuponesa kwenyu.+
ט [Tehth]
15 Marudzi akanyura mugomba raakachera;+
Tsoka dzawo dzakabatwa+ mumambure+ aakavanza.
16 Jehovha anozivikanwa nokutonga kwaakaita.+
Munhu akaipa ateyiwa nebasa remaoko ake.+
Higayoni. Sera.
י [Yohdh]
17 Vanhu vakaipa+ vachadzokera kuSheori,+
Nemarudzi ose anokanganwa Mwari.+
18 Nokuti murombo haazokanganwiki nguva dzose,+
Uyewo tariro yevanyoro haizomboparari.+
כ [Kaph]
19 Haiwa Jehovha, simukai! Musaita kuti munhuwo zvake ave nesimba kukupfuurai.+
Marudzi ngaatongwe pamberi penyu.+
20 Haiwa Jehovha,+ itai kuti atye,
Kuti marudzi azive kuti anongova vanhuwo zvavo.+ Sera.