BHUKU RECHITATU
(Pisarema 73 – 89)
Rwiyo rwaAsafi.+
73 Chokwadi Mwari akanaka kuna Israeri, kune vaya vane mwoyo yakachena.+
2 Asi ini, tsoka dzangu dzakanga dzava kuda kutsauka,+
Nhanho dzangu dzakapotsa dzatsvedzemuka.+
3 Nokuti ndakaitira shanje vanozvirumbidza,+
Pandaiona rugare rwevanhu vakaipa.+
4 Nokuti havana marwadzo orufu;+
Matumbu avo akakora.+
5 Havatombonetseki zvinoita munhuwo zvake,+
Havatambudzwi sevamwe vanhu.+
6 Naizvozvo kwavari kuzvikudza kwakaita sechishongo chomuhuro;+
Chisimba chinovafukidza senguo.+
7 Maziso avo akabuda nokukora;+
Vakapfuura zvinofungwa nomwoyo.+
8 Vanozvidza uye vanotaura pamusoro pezvakaipa;+
Vanotaura nezvokubiridzira vachizvikwidziridza.+
9 Vakaisa miromo yavo mumatenga chaimo,+
Rurimi rwavo runofamba-famba munyika.+
10 Naizvozvo anodzosa vanhu vake kuno,
Uye vanobudisirwa mvura zhinji.
11 Uye ivo vakati: “Mwari akazviziva sei?+
Wokumusorosoro ane zivo here?”+
12 Tarirai! Ava ndivo vakaipa, vanogara zvakanaka nokusingagumi.+
Ivo vakawedzera zvavanorarama nazvo.+
13 Chokwadi ndakachenesa mwoyo wangu pasina+
Uye ndakageza maoko angu mukusava nemhosva pasina.+
14 Ndakatambudzwa zuva rose,+
Ndinoruramiswa mangwanani oga oga.+
15 Kudai ndakanga ndati: “Ndichataura nyaya yakadaro,”
Tarirai! kuchizvarwa chevanakomana venyu
Ndingadai ndakanyengera.+
16 Ndakaramba ndichifunga kuti ndizive izvi;+
Chakanga chiri chinhu chainetsa mumaziso angu,
17 Kusvikira ndapinda munzvimbo tsvene yaMwari.+
Ndaida kunzwisisa nguva yavo yemberi.+
18 Chokwadi munovaisa panzvimbo inotsvedza.+
Makaita kuti vaparare.+
19 Haiwa, vava chinhu chinokatyamadza sei munguva pfupi pfupi!+
Vasvika sei pakuguma kwavo uye vapedzwa sei nezvinongoerekana zvavhundutsa!
20 Sezvinoita kurota paunenge wamuka, haiwa Jehovha,+
Saizvozvowo pamunomuka muchazvidza mufananidzo wavo.+
21 Nokuti mwoyo wangu wakava neshungu,+
Ndakarwadziwa kwazvo muitsvo dzangu,+
22 Ndakanga ndisingafungi uye ndaisagona kuziva;+
Ndakaita semhukawo zvadzo kwamuri.+
23 Asi ndinemi nguva dzose;+
Makabata ruoko rwangu rworudyi.+
24 Muchanditungamirira nezano renyu,+
Uye pashure paizvozvo muchandiendesa kukubwinya.+
25 Ndiani wandinaye mumatenga?+
Handina chimwe chandinofarira panyika kunze kwenyu.+
26 Muviri wangu nomwoyo wangu zvakundikana.+
Mwari ndiye dombo romwoyo wangu nomugove wangu nokusingagumi.+
27 Nokuti tarirai! vaya vanoramba vari kure nemi vachaparara.+
Muchaita kuti vanhu vose vanokusiyai nokuita unzenza vanyarare.+
28 Asi ini, kuswedera pedyo naMwari kwakandinakira.+
Ndakaita Changamire Ishe Jehovha nzvimbo yangu yokupotera,+
Kuti ndizivise mabasa enyu ose.+