Mapisarema
3 Ivai nhare yangu yedombo yokuti ndipinde nguva dzose.+
Rayirai kuti ndiponeswe,+
Nokuti muri ibwe rangu nenhare yangu.+
4 Haiwa Mwari wangu, ndipukunyutsei paruoko rwomunhu akaipa,+
Pachanza chouya ari kuita zvisina kururama uye achidzvinyirira.+
5 Nokuti muri tariro yangu,+ haiwa Changamire Ishe Jehovha, munhu wandinovimba naye kubvira ndichiri muduku.+
6 Ndakazvitsigira nemi kubvira pandakabuda mudumbu;+
Ndimi makandiparadzanisa nenhengo dzomukati dzaamai vangu.+
Ndinokurumbidzai nguva dzose.+
10 Nokuti vavengi vangu vati nezvangu,+
Uye vanorinda mweya wangu varangana pamwe chete,+
11 Vachiti: “Mwari akamusiya.+
Teverai mumubate, nokuti hapana mununuri.”+
13 Vaya vari kurwisana nomweya wangu ngavanyadziswe, vaparare.+
Vaya vari kunditsvakira dambudziko ngavazvifukidze nokuzvidzwa nokunyadziswa.+
15 Muromo wangu ucharondedzera kururama kwenyu,+
Noruponeso+ rwenyu zuva rose,
Nokuti handizivi kuwanda kwazvo.+
16 Ndichauya nesimba guru,+ haiwa Changamire+ Ishe Jehovha;
Ndichataura nezvokururama kwenyu, kwenyu imi moga.+
17 Haiwa Mwari, makandidzidzisa kubvira ndichiri muduku,+
Uye kusvikira zvino ndinoramba ndichizivisa mabasa enyu anoshamisa.+
18 Kunyange ndakwegura uye ndachena musoro, haiwa Mwari, musandisiya,+
Kusvikira ndaudza chizvarwa chinotevera nezvoruoko rwenyu,+
Ivo vose vaya vachauya, nezvesimba renyu.+
19 Haiwa Mwari, kururama kwenyu kunosvika kumusoro;+
Pamusoro pezvinhu zvikuru zvamakaita,+
Haiwa Mwari, ndiani akaita semi?+
20 Nokuti makaita kuti ndione kutambudzika kuzhinji nenhamo,+
Ndimutsidzirei zvakare;+
Ndibudisei zvakare mumvura yakadzika yepanyika.+
22 Iniwo ndichakurumbidzai nechiridzwa chine tambo,+
Pamusoro pechokwadi chenyu, haiwa Mwari wangu.+
Ndichakuimbirai norudimbwa, haiwa imi Mutsvene waIsraeri.+