Mapisarema
Rwiyo rwaDhavhidhi rwokushungurudzika, rwaakaimbira Jehovha nezvemashoko aKushi muBhenjamini.
7 Haiwa Jehovha Mwari wangu,+ ndakapotera kwamuri.+
Ndiponesei pane vose vanonditambudza, mundinunure,+
2 Kuti parege kuva nomunhu anobvambura-bvambura mweya wangu sezvinoita shumba,+
Achindibvuta pasina mununuri.+
3 Haiwa Jehovha Mwari wangu, kana ndakaita izvi,+
Kana mumaoko angu muine kusaruramisira chero kupi zvako,+
4 Kana ndakaripa munhu aindipa mubayiro nokumuitira zvakaipa,+
Kana kuti kana ndakapamba munhu wose aindivenga ndisingabudiriri,+
5 Muvengi ngaatevere mweya wangu,+
Ngaabate upenyu hwangu ahutsike-tsike panyika,
Aite kuti kukudzwa kwangu kugare muguruva. Sera.
7 Ungano yemapoka emarudzi ngaikukombei,
Imi mudzokere kumusoro murwe nayo.
Haiwa Jehovha, nditongei zvinoenderana nokururama kwangu+
Uye zvinoenderana nokutendeseka+ kwangu kuri mandiri.
10 Nhoo yangu iri pana Mwari,+ Muponesi wevaya vane mwoyo yakarurama.+
12 Kana ani naani asingazodzoki,+ iye acharodza bakatwa Rake,+
Achakunga uta hwake, uye achahugadzirira kupfura.+
14 Tarirai! Pane ane pamuviri pezvinhu zvinokuvadza,+
Akabata pamuviri pokunetseka uye achabereka nhema.+