Kumutungamiriri. Rwiyo rwevanakomana vaKora.
47 Imi marudzi ose, omberai maoko+ enyu.
Shevedzerai kuna Mwari mukukunda nenzwi rokushevedzera kwokufara.+
2 Nokuti Jehovha, Wokumusorosoro, anotyisa,+
NdiMambo mukuru panyika yose.+
3 Achakunda marudzi achiaisa pasi pedu+
Nemapoka emarudzi achiaisa pasi petsoka dzedu.+
4 Achatisarudzira nhaka yedu,+
Uyo Jakobho anodada naye, waakada.+ Sera.
5 Mwari akakwira nokushevedzera nomufaro,+
Jehovha akakwira nokurira kwehwamanda.+
6 Imbirai Mwari, imbai.+
Imbirai Mambo wedu, imbai.
7 Nokuti Mwari ndiMambo wenyika yose;+
Imbai, muchiita nokungwara.+
8 Mwari ava mambo wemarudzi.+
Mwari akagara pachigaro chake chitsvene.+
9 Vanokudzwa vemarudzi vaungana,+
Pamwe chete nevanhu vaMwari waAbrahamu.+
Nokuti nhoo dzenyika ndedzaMwari.+
Iye akakwira kunzvimbo yakakwirira kwazvo.+