Mapisarema
Rwiyo rwaDhavhidhi. Maskiri.
32 Anofara munhu anoregererwa kumukira kwake, ane chivi chinofukidzwa.+
3 Pandakaramba ndakanyarara, mapfupa angu akasakara nokugomera kwandaiita zuva rose.+
4 Nokuti ruoko rwenyu rwaindiremera masikati nousiku.+
Unyoro hwoupenyu hwangu hwachinjwa somunguva yokupisa kukuru kwezhizha.+ Sera.
5 Ndakazoreurura chivi changu kwamuri, uye handina kufukidza kukanganisa kwangu.+
Ndakati: “Ndichareurura kudarika kwangu kuna Jehovha.”+
Imi makaregerera kukanganisa kwezvivi zvangu.+ Sera.
6 Saka munhu wose akavimbika achanyengetera kwamuri+
Panguva bedzi yamungawanika.+
Kana ari mafashamo emvura yakawanda, haazomubati.+
7 Muri nzvimbo yangu yokuvanda; muchandichengetedza pakutambudzika.+
Muchandikomba muchishevedzera nomufaro pakundipukunyutsa.+ Sera.
8 “Ndichaita kuti uve nenjere uye ndichakurayiridza nzira yaunofanira kufamba nayo.+
Ndichakupa zano ziso rangu rakakutarira.+