105 Ongai Jehovha, danai zita rake,+
Zivisai mabasa ake pakati pemarudzi.+
2 Muimbirei, muimbirei rwiyo,+
Fungisisai mabasa ake ose anoshamisa.+
3 Zvirumbidzei nokuda kwezita rake dzvene.+
Mwoyo yevaya vari kutsvaka Jehovha ngaifare.+
4 Tsvakai Jehovha nesimba rake.+
Tsvakai kunzwirwa nyasha naye nguva dzose.+
5 Yeukai mabasa ake anoshamisa aakaita,+
Zvishamiso zvake nezvaakatonga nomuromo wake,+
6 Haiwa imi vana vomushumiri wake Abrahamu,+
Imi vanakomana vaJakobho, vaakasarudza.+
7 Iye ndiJehovha Mwari wedu.+
Zvaakatonga zviri munyika yose.+
8 Akayeuka sungano yake nokusingagumi,+
Shoko raakarayira zvizvarwa zvine chiuru,+
9 Sungano yaakaita naAbrahamu,+
Nemhiko yake yaakaita kuna Isaka,+
10 Iyo mhiko yaakaita kuti irambe iripo somurau kunyange kuna Jakobho,
Sesungano inogara nokusingagumi kunyange kuna Israeri,+
11 Achiti: “Ndichakupa nyika yeKenani+
Kuti ive mugove wenhaka yako.”+
12 Izvi zvakaitika pavakanga vari vashomanana,+
Chokwadi, pavakanga vari vashomanana, uye vari vatorwa mairi.+
13 Vakaramba vachifamba-famba vachibva kune rumwe rudzi vachienda kune rumwe rudzi,+
Vachibva kune humwe umambo vachienda kune vamwe vanhu.+
14 Haana kubvumira kuti chero munhu upi zvake avabiridzire,+
Asi akatsiura madzimambo nokuda kwavo,+
15 Achiti: “Musabata vazodziwa vangu,+
Musaitira vaprofita vangu chinhu chakaipa.”+
16 Akarayira kuti nzara iuye panyika;+
Akatyora tsvimbo dzose dzaiiswa zvingwa zvakaita serin’i.+
17 Akatuma mumwe murume pamberi pavo
Iye Josefa, akatengeswa kuti ave muranda.+
18 Vakarwadzisa tsoka dzake nezvisungo zvomumakumbo,+
Vakasunga mweya wake nesimbi;+
19 Kusvikira nguva yakauya shoko rake,+
Zvakataurwa naJehovha zvakamunatsa.+
20 Mambo akatuma shoko kuti amusunungure,+
Iye mutongi wemarudzi, kuti amusunungure.
21 Akamugadza kuti ave tenzi weimba yake+
Uye kuti ave mutongi wepfuma yake yose,+
22 Kuti asunge machinda ake sezvaidiwa nomweya wake+
Uye kuti adzidzise varume vakwegura uchenjeri.+
23 Israeri akapinda muIjipiti,+
Jakobho akagara ari mutorwa munyika yaHamu.+
24 Akaramba achiita kuti vanhu vake vabereke kwazvo,+
Zvishoma nezvishoma akaita kuti vave nesimba kupfuura mhandu dzavo.+
25 Akarega mwoyo yavo ichichinja kuti vavenge vanhu vake,+
Kuti vanyengere vashumiri vake.+
26 Akatuma mushumiri wake Mosesi,+
NaAroni waakanga asarudza.+
27 Vakavaratidza zviratidzo zvake,+
Nezvishamiso munyika yaHamu.+
28 Akatuma rima akaita kuti kusvibe;+
Havana kupandukira mashoko ake.+
29 Akachinja mvura yavo ikava ropa,+
Akauraya hove dzavo.+
30 Nyika yavo yakazara nematatya,+
Mudzimba dzomukati dzemadzimambo avo.
31 Akarayira kuti mbuo dziuye,+
Unyunyu huuye munharaunda dzavo dzose.+
32 Akaita kuti mvura yavo zhinji ive chimvuramabwe,+
Moto une mirazvo panyika yavo.+
33 Akarova mizambiringa yavo nemionde yavo
Uye akatyora miti yomunharaunda yavo.+
34 Akarayira kuti mhashu dziuye,+
Mhashu dzorumwewo rudzi dzisingaverengeki.+
35 Dzakadya zvinomera zvose zvaiva munyika yavo;+
Dzakadyawo zvibereko zvenyika yavo.
36 Akauraya matangwe ose omunyika yavo,+
Iko kutanga kwesimba ravo rokubereka.+
37 Akavabudisa vaine sirivha nendarama;+
Hapana aigumburwa pamadzinza ake.
38 Vanhu veIjipiti vakafara ivo pavakabuda,
Nokuti vakanga vava kuvatya.+
39 Akavaisira gore kuti rivavharidzire,+
Nomoto kuti uvape chiedza usiku.+
40 Vakakumbira, akavapa zvihuta,+
Uye akaramba achivagutsa nechingwa chaibva kudenga.+
41 Akavhura dombo, mvura ikatanga kubuda;+
Iyi yakayerera ichienda nomunzvimbo dzisina mvura sorwizi.+
42 Nokuti akayeuka shoko rake dzvene raakataura kumushumiri wake Abrahamu.+
43 Naizvozvo akabudisa vanhu vake vachipembera nomufaro,+
Ivo vanhu vake vaakasarudza vachishevedzera nokufara.+
44 Zvishoma nezvishoma akavapa nyika dzemamwe marudzi,+
Vakaramba vachitora zvakashandirwa zvakaoma nemapoka emarudzi kuti zvive zvavo,+
45 Kuti vachengete mirau yake+
Nokuchengeta mitemo yake.+
Rumbidzai Jah!+